Bring your own wives, Mugabe tells Chinese
Main News World News

Bring your own wives, Mugabe tells Chinese

President Mugabe yesterday told Chinese nationals to bring their wives to stop them from preying on local girls.

“Zvino ruzhinji rwacho vanongouya varume vogavoga. Ndicho chechipiri ichocho. Varume vogavoga. Ah! Vanovawanepi vakadzi? Vanenge vasiri vadukuka vaungati mastudents havasati vakura, vane vakadzi kumba kwavo, shure, zvino vouya kuno vane macontracts auchazopedza makore maviri kana matatu usati wadzokera kumusha?

“Ndiyani pano angandiudze murume kuti ndingade kunzwa murume wacho from the President to the Vice President nevamwe — angati angagare makore mashanu iye anga ari murume wemhuri ari uko, achingotarisa chete vasikana ava? Kune chamhupu chinonzi chapedza varume. Ndichocho. Zvino toti tinosiirwa imwe mhuri yechikaradhi.

“Asi ukaenda kwavo, eeeh, vana vechikoro, zvakarema! Havabvume kuti vana vavo varoorwe kana kuti vatambwe navo. Saka ndizvo zvinhu zviviri izvo zvatinoti kwete. Kana vachiuya ngavauye nemhuri. Asi ivo vanoda zvekuti zhoo varume vogavoga, kuvazadza mumarori vari varume vogavoga. Hatidiba,” he when he addressed his party’s National Consultative Assembly.

He also criticised some Chinese businessmen for failing to deposit their cash into local banks and instead, smuggling it to their home country.

Failure to deposit daily takings has been cited as one of the causes of the prevailing cash shortages. “KuSouth Africa ndinonzwa kuti vakazoramba mazhing-zhong, anonzi mazhing- zhong, nekuti vanobva vatoraka madhora edu voenda nawo ikoko (kuChina). Havaisi mumabank medu, havabhengi.

“Ipapo chete, shamwari dzedu dzechiChina ndipo patisingadzinzwisise. Havade kuisa mumabank. Ndizvo zvinhu zviviri, zvingave zvinopfuura ipapa, asi zviviri izvozvo ndozvatakaona zvinotinyangadza pamaitiro avo. Vauya, mashanda navo, kunyange magovana mari pabasa rinenge raitwa, yavo haipinde mubank, kana, vanotumira kumusha.”

1 Comment

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *